-
Hebrews 1
- 1 Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
- 2 pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika,
- 3 iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
- 4 apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo akange awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.
- 5 Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?
- 6 Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vese vaMwari ngavamunamate.
- 7 Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
- 8 asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu.
- 9 Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
- 10 Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
- 11 izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvese zvichasakara senguvo;
- 12 uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
- 13 Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
- 14 Ko havasi vese mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.